2 Chronicles 11

1Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akakurudzira imba yaJudha naBhenjamini, varume zviuru zana namakumi masere zvavarwi, kuti varwisane neIsraeri vatorezve umambo hwaRehobhoamu.

2Asi shoko iri raJehovha rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti, 3“Udza Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni mambo weJudha navaIsraeri vose vari muJudha neBhenjamini, uti, 4‘Zvanzi naJehovha: Musaenda kunorwisana nehama dzenyu; endai kumba, mumwe nomumwe wenyu, nokuti uku kuita kwangu.’ ” Saka vakateerera mashoko aJehovha vakadzoka kubva mukuda kundorwisana naJerobhoamu.

Rehobhoamu anovaka Nhare dzeJudha

5Rehobhoamu akagara muJerusarema akavaka maguta okuzvidzivirira muJudha aiti: 6Bheterehema, Etami, Tekoa, 7Bheti Zuri, Soko, Adhuramu, 8Gati, Maresha, Zifi, 9Adhoraimi, Rakishi, Azeka, 10Zora, Aijaroni neHebhuroni. Aya ndiwo aiva maguta enhare muJudha neBhenjamini. 11Akasimbisa nhare dzawo akaisa vakuru vehondo maari, nezvokudya zvizhinji, mafuta omuorivhi newaini. 12Akaisa nhoo namapfumo mumaguta ose, akaaita kuti ave akasimba kwazvo. Saka Judha neBhenjamini vaiva vake.

13Vaprista navaRevhi kubva kumatunhu ose muIsraeri yose vaiva kurutivi rwake. 14Vaprista navaRevhi vakatosiya mafuro ezvipfuwo zvavo nemidziyo yavo vakauya kuJudha neJerusarema nokuti Jerobhoamu navanakomana vake vakanga vavaramba savaprista vaJehovha. 15Uye iye akagadza vaprista vake pachake akavaisa panzvimbo dzakakwirira uye nezvifananidzo zvembudzi nezvemhuru zvaakanga agadzira. 16Vose vaibva kumarudzi ose aIsraeri vakaisa mwoyo yavo pakutsvaga Jehovha, Mwari waIsraeri, vakatevera vaRevhi kuJerusarema kuti vandopa zvibayiro kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo. 17Vakasimbisa umambo hwaJudha vakatsigira Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni kwamakore matatu, vachifamba munzira dzaDhavhidhi naSoromoni panguva iyoyi.

Mhuri yaRehobhoamu

18Rehobhoamu akawana Maharati aiva mwanasikana womwanakomana waDhavhidhi ainzi Jerimoti uye waAbhihairi mwanasikana womwanakomana waJese ainzi Eriabhi. 19Akamuberekera vanakomana vaiti, Jeushi, Shemaria naZahamu. 20Ipapo akawana Maaka mwanasikana waAbhusaromu akamuberekera Abhija, Atai, Ziza naSheromiti. 21Rehobhoamu aida Maaka mwanasikana waAbhusaromu kupfuura vamwe vakadzi vake navarongo vake vose. Pamwe chete aiva navakadzi gumi navasere, navarongo makumi matanhatu, vanakomana makumi maviri navasere, navanasikana makumi matanhatu.

22Rehobhoamu akagadza Abhija mwanakomana waMaaka kuti ave muchinda mukuru pakati pavana vababa vake kuitira kuti azova mambo. 23Akaita zvakachenjera akaparadzira vamwe vavanakomana vake mumatunhu ose eJudha neBhenjamini nokumaguta ose enhare. Akavapa zvinhu zvizhinji akavawanira vakadzi vakawanda.

Copyright information for SnaBDSC